Boost

Mishonga yemaantiretroviral yese inoshanda nekuvhiringidza kuti utachiona hweHIV usadzokorore. Kudzokorora kunoita utachiona hweHIV kune matanho akawanda akasiyana. Zvikamu zvakasiyana zvemishonga inodzivirira utachiona hweHIV kuti isakwanise kupedza matanho akasiyana muchirongwa ichi. Kurapa kwako kuchange kuine musanganiswa yemishonga yemaAntiretroviral iyo pamwe chete inokwanisa kuderedza hutachiona hwako kuti usagadzire umwe hutachiona hweHIV.
Dolutegravir ndeyeboka remishonga inozivikanwa seintegrase inhibitors - izvi zvinomisa utachiona hweHIV  kuti isaisa DNA yayo muCD4 cell. Pasina kuita izvi, utachiona hweHIV haukwanisi kutonga masero ako eCD4  ako.

Kana tichiti mushonga une kusashanda kwakakwirira, tinenge tichitsanangura huwandu hwekushanduka kunofanirwa kuitwa nehutachiona kuitira kuti mushonga wacho usashande. Inogonawo kutsanangura kuti shanduko idzodzo dzine mukana wakadii. Pane zvinhu zvakati kuti maererano nemagadzirirwo edolutegravir (DTG) uye nenzira yainoshanda nayo zvinoita kuti zviomere kuti utachiona hweHIV udairire uye nekudarika DTG.
Chimwe chezvinhu zvinotariswa nevesainzi ndechekuti mushonga unogara kwenguva yakareba sei mumuviri wako mushure mekutora mushonga. Kuyera izvi vanoshandisa iyo inozivikanwa semushonga 'wekikamu chipfupi'. Chikamu chipfupi chemushonga chinotsanangura kuti zvinotora nguva yakareba sei kuti muviri uparadzire mushonga. Munyaya yeDTG, mushonga unogara mumuviri wako kwenguva yakareba. Izvi zvinoreva kuti unogona kutora mushonga wako zvishoma (kamwe chete pazuva pane kakawanda). Zvinorevawo kuti une mwero wakawanda wekudzivirira  kana ukapotsa mushonga, izvo zvinoita kuti iumbe kusagamuchira mushonga  kwakanyanya.

DTG mushonga unorwisa utachiona hweHIV zvine simba. Inokwanisa kumisa kudzokororwa kwe hutachiona hweHIV panguva yakaderera. Mimwe mishonga inoda kuti uitore yakawandakuti ushande zvakanaka.

Maneural tube defects idambudziko reutano rinokwanisa kuitika muvana vachiri kutanga kuumbwa ichiti mhumbu. Mugore ra2018 pakaitika kutyirwa kekuti vanhukadzi vabva zera rekusununguka havafanirwe kupihwa dolutegravir mushure mekunge ongororo yakaitwa kuBotswana yakaratidza kuti kutora dolutegravir muchikamu chekutanga kuzvitakura kunogona kuve kwakabatana nenjodzi yakakura mukunganiswa kweneural tube muvacheche.

Humwe humbowo hwavepo hunoratidza kuti njodzi yavadiki pane yekutanga kufungidzirwa. Kumadzimai mazhinji, zvakanakira kutora dolutegravir zvinodaeredza njodzi idzi. Kune vakadzi vari pachirongwa chekudzivirira kubata pamuviri avo vasiri kuronga kuva nepamuviri, kusawirina nemushonga hakuzokoshe . Asi kuvakadzi vanoda kuita vana munguva pfupi iri kutevera, kana kuti vanenge vachangobva kubata pamuviri, ichi chingava chinhu chavanoda kukurukura nemushandi wezveutano.
Mazano akapoteredza dolutegravir nderekuti madzimai vanofanira kunzwisisa kuti zvinobatsira nezvine njodzi kwavari, uye vagokwanisa kuita sarudzo dzavo pachavo pamusoro pemarapirwo avo. Vanofanira kuwana mikana miviri yekudzekudzivirira pamuviri uye nzira dzakasiyana-siyana dzokurapa dzakanaka, kuitira kuti vagokwanisa kuita sarudzo hehutano inehungwaru.