Boost

Hongu. FGS haiparadzirwe pabonde. Kuparadzira FGS (schistosomiasis) mazai anofanira kupfuudzwa kunze kwegadziriro  kupinda mumvura yakachena, kwaanochochonya uye achipfuura nepakati  penhanho  dzakasiyana dzeupenyu hwehozhwa . FGS haigone kupfuudzwa kubva kumunhu kuenda kune umwe munhu.

Izvi ndizvo zvimwe chete ku genital schistosomiasis yevarume (MGS) – kunyangwe mazai eschistosomiasis ari muhurume, mazai haakwanise kutapuriranwa kubva mumbeu, mazai anofanira kutanga apinda muchikamu cheupenyu chehozhwa. Nekudaro, zvakakosha kuyeuka kuti zvimwe zviratidzo uye matambudziko eFGS anogona kuita kuti bonde rirwadze kana kusagadzikana.

Hapana nzira iri nyore yekuongorora mvura kuona kuti haina utachiona here. Nzira yakanakisisa yokudzivirira nayo utachiona ndeyokushandisa mvura yaunovimba nayo, yakadai sechibhorani kana kuti tsime, pakugeza nokuchera mvura. Kuwana mvura inoyerera isina kusvibiswa yakachengetedzeka ndiyo nzira yakanakisa yekudzivirira FGS (uye zvimwe zvese zvirwere zvekunzvimbo dzinopisa zvakakangamwika).