Boost

Vanhu vazhinji vane utachiona hwehepatitis  havana zviratidzo zvachose pakutanga. Unogona kuva nehepatitis kwemakore kana makore makumi usingazvizivi. Asi kana usina kurapwa, hepatitis B neC inogona kukonzera matambudziko makuru echiropa kusanganisira fibrosis ( mavanga echiropa anogona kushandurwa kana yabatwa nekukarisa), cirrhosis (irudzi runokuvadza chimiro nekushanda chechiropa zvachose) uye gomarara rechiropa.

Zvimwe zviratidzo zvekutanga zveyambiro yehepatitis zvinosanganisira:
- kuneta,
-kunzwa kusanzwa zvakanaka
- matambudziko emudumbu uye kudzikira muviri
- jaundice (apo ganda kana maziso anova yero)
- kusvotwa
- shanduko yeruvara weti (kusviba) kana tsvina (kusviba kana kuchena)

Unogona kunge uine zvimwe zvezviratidzo izvi kwete zvimwe. Asi kunyangwe pasina zviratidzo, chirwere ichi chinogona kunge chichikuvadza chiropa, saka zvakakosha kuti uongororwe kana uchifunga kuti unogona kunge uri panjodzi.

Izwi rokuti 'hepatitis' rinoreva kuzvimba kwechiropa. Saka, hosha yehepatitis inogona kuva nezvikonzero zvakasiyana-siyana, izvo zvose zvinoguma nokuzvimba uye kukuvadzwa kwechiropa kuchimisa kushanda zvakanaka.

Hepatitis inogona kukonzerwa nedzimwe sarudzo dzemararamiro ako (kusanganisira doro rakawandisa uye kuputa), genetic factor, kana hutachiona. Kuwanda kwehepatitis pasi rese kunokonzerwa nehutachiona.

Kune mhando shanu dzehutachiona hwehepatitis, anosanganisira:

Hepatitis A: Ichi chinotapuriranwa nechikafu nemvura zvinge zvasangana netsvina yevanhu vane utachiona. Pane jekiseni rinokwanisa kudzivirira hepatitis A.
Hepatitis B: Ichi chinopararira muropa. Kazhinji inoparadzira kubva kuna amai kuenda kumwana. Muzviitiko zvisingawanzoitiki, inogona kuparadzira kuburikidza nebonde uye kugoverana midziyo yekubaya jekiseni. Pane jekiseni rekudzivirira hepatitis B.

Hepatitis C: Iyi inowanzopfudzwa muropa kusvika pakubata ropa. Hepatitis C inogona kurapwa nemishonga inorwisa utachiona.

Hepatitis D: Iyi inongobata vanhu vagara vaine hepatitis B. Inogona kuparadzira neropa kusvika pakusangana kweropa kana kusangana pabonde. Hapana mushonga wekudzivirira hep D, asi kuva nejekiseni reHep B kuchabatsira.
Hepatitis E: Ine chekuita nekudya nyama yenguruve isina kubikwa kana hove(shellfish). Kazhinji unova yakapfava uye kwenguva pfupi asi hutachiona hunogona kuve hwakanyanya kune vanhu vane masoja emuviri asina simba.

Kana wanga uri panjodzi yekubatwa nehep B kana hep C, zvakakosha kuti uongororwe. Kana wangoziva kuti une hutachiona unokwanisa kurapwa. Izvi zvinobatsira kuti ugare uine hutano uye kudzivirira chiropa chako kubva kukuvara mune ramangwana.

Hep B:
Kuongororwa ropa kunogona kutsvaga maantigen ehep B (zvikamu zveutachiona pachahwo). Ongororo inogona kuratidza kuti une hep B kubva pamasvondo matanhatu kusvika gumi nemaviri mushure mekutapukirwa. Muzviitiko zvakawanda, hep B inogona kucheneswa kubva mumuviri pasina kurapwa, kunyanya kana wanga uine hep B yekudzivirira. Zvakadaro, kune vamwe vanhu, chirwere ichi chinoda kurapwa kudzivirira kukuvara kwechiropa.

Hep C:
Kuongororwa ropa kuchatsvaga masoja ekudzivirira chirwere ehep C. Izvi inhengo dzemasoga emuviri wako uye zvicharatidza kana muviri wako wasangana nehutachiona hwehep C. Zvabuda zvakanaka kana waongororwa zvoreva kuti  unogona kuva neutachiona ezvino kana kuti wakambohuwana. Kuti uzive kana wava nehep C izvozvi, ongororo yekudzivirira masoja ekudzivirira chirwere ichi inoda kuteverwa ne 'PCR viral load test'. Vanhu vane utachiona hweHIV vanogona kutanga vapihwa ongororo uwandu hwehutachiona, sezvo ongororo yemasoja ekudzivirira chirwere ichi inogona kushomeka kwavari. Chirwere cheHepatitis C chinogona kurapwa nemishonga inorwisa utachiona  yakanangana acting antiviral.