Boost

Vamwe madzimai vanosangana nechinhu chinonzi cheminyatso inotsemuka pavanoyamwisa. Zviratidzo zvinosanganisira kurwadziwa paunenge uchiyamwisa kubuda ropa kubva muminyatso yako uye kuputika kweganda. Matambudziko aya anowanzo konzerwa nekuti mwana wako haabatike zvakanaka. 

Kana uine utachiona HIV uye uchiyamwisa zvakakosha kuti utaure nemushandi wezveutano nekuchimbidza nezvedambudziko ripi zvaro pamizamu yako, zvikuru kana iri kubuda ropa. Izvi zvinodaro nekuti mazamu akuvara anogona kuwedzera mukana wekutapurirana utachiona hweHIV kumwana wako. Vachakupa mazano ekuti unoyamwisa sei zvakachengetedzeka uye kukubatsira iwe kuisa mwana wako kuti adzivise matambudziko mune ramangwana. Yeuka kuti kuyamwisa hakufaniri kukuvadza. 

Unofanirawo kungwarira mastitis, mamiriro emazamu ako anenge azvimba. Unogona kumaoona achitsvuka, kupisa uye kurwadza. Ichi zvakare chimwe chinhu chaunofanira kutaura kune nyanzvi yezvehutano sezvo zvichigona kuwedzera njodzi yeutachiona hweHIV.

Kwemwedzi mitanhatu yekutanga unorairwa kuyamwisa chete. Izvi zvinodaro nekuti dumbu remucheche rinonzwa zvakanyanya mumwedzi mishoma yekutanga iyi. Kupa mwana mukaka wezamu pamwe chete nezvimwe zvekudya zvinogona kukanganisa dumbu remwana wako. Kana dumbu remwana wako richirumaruma ari panjodzi yehutachiona hweHIV. Kana iwe kana mwana wako aine manyoka kana kurutsa munofanira kutaura nemushandi wezveutano, sezvo izvi zvichigona kuva chiratidzo chekutsamwa kwemudumbu.

Kunyangwe mwana wako asingafanirwe kuve nezvimwe zvekudya, zvakanaka kumupa chero mishonga yaanenge apihwa

Kuyamwisa kunopa vana vako mavambo akanaka ehupenyu. Chero ukaramba uchitora mishonga yako yemaAntiretroviral, kuyamwisa ndiyo nzira yakachengeteka uye yakanakira mwana wako.

1. Kuyamwisa kunopa vanaamai nevana vavo mukana wekubatana. Panguva yekuyamwisa  amai nemwana vachidyidzana uye kusangana kweganda neganda kunogona kuita kuti vanzwanane vari pedyo
 2. Kuyamwisa kunobvumira vanamai kuti vagovane masoja ekudzivirira chirwere nevana vavo. Izvi zvakakosha pakurwisa zvirwere uye zvinogona kudzivirira mwana wako kuti asarware.
 3. Mukaka waamai uzere nekudya uye mvura inodiwa nevana kuti vakure. Kuyamwisa kunodzivirira vacheche kubva kunjodzi dzekushaya chikafu chinovaka muviri uye kunovapa simba nemavitamini avanoda.
 4. Kuyamwisa kunodzivirira vana vadiki kubva panjodzi yemvura isina kuchena, izvo zvinogona kukonzera manyoka uye mamwe matambudziko ehutano, anogona kuuraya.
  5. Kuyamwisa kwakanakira utano hwaamai. Zvinoderedza njodzi yevakadzi yekuva nezvimwe zvirwere gare gare muhupenyu, kusanganisira gomarara remuchibereko nerezamu.