Boost

Usati warairwa PEP mushandi wezvehutano anofanira kunzwisisa njodzi dzawakasangana nadzo. Vanofanirwa kuve nechokwadi chekuti pane njodzi chaiyo yekutapurirwa nehutachiona hweHIV. Pane dzimwe nzira dzekutapurirana nadzo hutachiona hweHIV, saka kana dzisingashande kwauri, haufanire kunwa PEP.

Vanobvunza  chero zviitiko zvakaitika. Kana wakamboita pabonde usina dzivirira, vangada kuziva kuti imhandoyi (kunhengo yesikarudzi yemukadzi, nekunobuda nako tsvina kana nemuromo) uye kuti unoziva here mamiriro akaita hutachiona hweHIV wemumwe munhu. Mibvunzo yavo haina kugadzirirwa kuita kuti unzwe kunyara uye haufaniri kunzwa kuti munhu wacho ari kukushora, asi  vari kuedza kutsvaka nzira dzakanaka hwakanaka dzokuchengetedza utano hwako. 

Hongu, zvinokurudzirwa kuti urambe uchishandisa makondomu uchitora PEP zvekare. Izvi zvinodaro nekuti PEP inogona kusashanda zvakare kana wasangana nehutachiona hweHIV zvakare paunenge uchitora mushonga. Ndine hurombo, PEP  haivimbisike 100%. Kunyangwe uchitora PEP, pane mukana wekuti inogona kusashanda. Kushandisa makondomu paunenge uchitora PEP zvinoreva kuti unodzivirira kutapurira utachiona hweHIV kune vadiwa vako. 

Kunyangwezvavo pasina muganhu pahuwandu hwenguva dzaunokwanisa kutora PEP, haina kugadzirwa kuti irambe ichidzivirira. Kana ukaona kuti kazhinji unofanira kunwa PEP, ungada kutaura nemushandi wezveutano nezvedzimwe nzira dzaungadzivise nadzo kubata hutachiona hweHIV. PrEP inogona kukupa dziviriro yakareba kubva kuhutachiona hweHIV uye inzira yakavimbika yekudzivirira kutapukirwa nezvirwere kupfuura PEP.