Boost

Kutora PrEP usingazive kuti une utachina  hweHIV kunokanganisa utano hwako. PrEP inopa mwero wakaderera wemishonga yemaAntiretroviral treatment (ART). Kana ukatevedza zvakanaka, huwandu hweART uhu hunokwana kuti urege kubata utachiona hweHIV, asi kana wagara watova neutachiona hweHIV zvinogona kuita kuti  usawirirana nemishonga utachiona hweHIV. Apa ndipo panomira ART yako kushanda. ART ishoma haikwanise  kumisa utachiona kuti husawandane, asi, utachiona hweHIV hunokwanisa kuzvishanduka kuti ugone kudarika kushanda kweART uye kugadzira makopi matsva ayo zvakadaro. 

Kuongororwa nguva nenguva uchitora PrEP zvinoreva kuti unokwanisa kuona kuti une utachiona hweHIV nekukasika, saka unogona kudzivirira kuti utachiona hweHIV usarambe mishonga. Kutora PrEP sekurairwa kunoita kuti usabate utachiona hweHIV.

Hongu! PrEP haikutadzise kubata pamuviri uye haina njodzi kuvakadzi panguva yekubata pamuviri, pamuviri uye pakuyamwisa. PrEP ndiyo imwe yenzira idzo vakaroorana vane utachiona hweHIV hwakasiyana-siyana vanogona kuedza kuita mwana zvisina njodzi.

Kana uchida kuita mwana, asi funga kuti uri panjodzi huru yekubatwa nehutachiona hweHIV, uye PrEP inogona kunge iri sarudzo yakanaka kwauri. Kana vanaamai vakawana hutachiona hweHIV panguva yekuzvitakura nekuyamwisa, zvinoisa vana vavo panjodzi. Izvi zvinodaro nekuti huwandu hwehutachiwana hwako hwakanyanya mumavhiki ekutanga mushure mekuwana huchationa hweHIV. Kutora PrEP kunodzivirira mese iwe nemwana wako, saka munokwanisa kugara musina utachiona hweHIV panguva yese yekuzvitakura, pamuviri nekuyamwisa. 

Vanhu vane zviitiko zvakasiyana zvavanosangana nazvo pakutora PrEP. Vanhu vazhinji havana mazviratidzo, ukuwo vamwe vangasangana nezvinhu zvakadai sekusvotwa, kurutsa, kuneta uye dzungu, asi izvi zvinowanzopera mushure mevhiki kana maviri.

Zviratidziri zvekunwa PrEP  zvobuda nguva yareba zvishoma. Vanosvika zvikamu zviviri kubva muzana zvevashandisi vePrEP vanogona kuve nekudzikira kudiki mukushanda kweitsvo, asi izvi zvinowanzodzokera panzvimbo kuna uchipedza kutora PrEP. Ndosaka zvichikurudzirwa kuti vanhu vari paPrEP vagare vachiongororwa utano kuitira kuti vashandi vezvehutano vatarise hutano hwavo.

Kana mumwe munhu achifunga kuti ari kusangana nezviratidzo zvePrEP, anofanira kutaura nemushandi wezveutano.