Boost

Mbanje mushonga unodhaka unobva pamuti wembanje. Inowanzosvutwa kana kufemwa, asi inokwanisazve kubikwa yodyiwa.

Mushure menguva pfupi, manje dzinokuita kuti unzwe kuzorora, kutaurisa uye kutanga kunzwa zvakanyanya, somuenzaniso, nziyo dzinotanga kunakidza zvirinani. Kana dzichinge dzawanzwa mbanje, vanhu vanogna kurwara kana kufenda, kushushikana kana kunzwa kutya. Zvine njodzi kutyaira mushure mekushandisa mbanje. Mukati menguva refu, kushandisa mbanje kunokanganisa madzidziro ako uye kuteerera, uye vanoshandisa manje vanogona kunzwa kusakurudzika kana kusanakidzwa nezvimwe zvinhu zvinenge zvichiitika mukati mehupenyu hwavo.

Vanhu vanotanga kushandisa mbanje pazera rechidiki kana vanoishandisa nguva nenguva vane mukana wakakura wekupindwa nayo muropa. Izvi zvinogona kukonzera matambudziko ekutadza kurara, kushatirwa kana kusagadzikana. Kana uchiputa mbanje pamwechete nefodya une mukana wakakura wekusangana nemamwe matambudziko ehutano anofambirana nekusvuta, kusanganisira matambudziko emoyo nemapapu. Kusvuta mbanje une pamuviri kunogona kukanganisa kukura zvakanaka kwemwana.

 

Pane kupindirana kuripo pakati pakati pekushandisa mbanje nguva nenguva nematambudziko pahutano hwepfungwa. Vanhu vanoshandisa mbanje nguva nenguva uye kubva pamuzero wechidiki vane mukana wakakura wekusangana nekunyengedzwa uye kuona zvisipo. Apa ndipo pavanoona kana kutenda muzvinhu zvisiri zvechokwadi. Njodzi yazvo munguva refu inotevera yakakura kana pane munhu mumhuri yako akamboita matambudziko ekunyengedzwa kana chirwere chemupfungwa icho chinpindirana nekunyengedzwa uye kuona zvinhu zvisipo.

Hutachiona hweHIV, chirwere chechiropa nehumwe hutachiona hweropa hunokwanisa kutapuriranwa nekugoverana tsono kana majekiseni. Izvi zvinosanganisira kugoverana tsono kuti ubaye mamwe majekiseni. Kana ukashandisa sirinji kuti ubaye majekiseni, rimwe ropa rako rinodzoka kusirinji. Tsono nesirinji zvamboshandiswa neumwe munhu zvinogona kusara zvine ropa rine hutachiona hwaanenge anahwo. Ukashandisa zvinhu zvimwechetezvo kubayisa, unogona kupinza hutachiona uhwu muropa rako. Kugoverana midziyo yekubayisa majekiseni kusanganisira mvura inoshandiswa kuburitsa sirinji idi, zvipunu kana mimwe midziyo, kunokwanisa kuva imwe nzira yekutapurirana nayo hutachiona hweHIV pamwe nehumwe hutachiona.
 

Kana ukabaya jekiseni rezvinodhaka, musagovedzane tsono, masirinji neimwe midziyo yekubayisa majekiseni. Dzimwe nzvimbo dzinokupa dzimwe tsono itsva nenzvimbo yekurasira tsaru dzacho zvisina njodzi. Shandisa mvura yakabikwa uye yakachena kuburitsa masirinji kunze nekurasa midziyo yekubayisa majekiseni zvisina njodzi. Unokwanisa kutora mushonga wekudzivirira usati wapinda munjodzi unonzi PrEP kudzivirira kutapurira kwehutachiona hweHIV. Taura nemushandi wezvehutano, kana uchida rubatsiro rwekusiya kushandisa zvinodhaka.