Boost

Maronda nemapundu anokonzerwa neFGS anogona kupa nzira iri nyore yekuti utachiona hweHIV hupinde mumuviri. Nekuda kweizvozvo, FGS inowedzera njodzi yekuva neHIV. Vakadzi vane FGS vane mukana wakapetwa katatu kana kana wekuva neHIV pane vasina. Pane kutyirawo kuti schistosomiasis, kusanganisira FGS neMGS, inogona kuderedza kushanda kwemishonga yemaAnti-retroviral drugs (ART) inoshandiswa kurapa HIV.ongororo dzemakiriniki dziri kuitwa kuti kuonekwe kana kurapwa kwenguva dzose nePraziquantel (PZQ), mushonga unoshandiswa kurapa schistosome, kuchikwanisa kudzivirira FGS neutachiona hweHIV. Kana uri kurarama neHIV uye uchifunga kuti unogona kunge uri kuona zviratidzo zveFGS, unofanira kutaura nemutariri wako wehutano nezvemishonga yauri kushandisa uye nzira yakakdzera yekugadzirisa hutano hwako.

Kufanana nemamwe akawanda mamiriro ehutano, FGS inogona kuve nerusarura rwunofambidzana nayo. Kuitwa chiseko kunobva muruzivo rwakashata uye kusanzwisisa uye zvinogona kuita kuti hupenyu huome zvakanyanya kune vanhu vari kusangana neFGS. Panyaya yeFGS, kusemwa kwakawanda kwakapoteredza kunobva pakuti zviratidzo zvakawanda zveFGS zvinofananidzwa nezvine chekuita nezvepabonde. Izvi zvinogona kuita kuti vanhu vafunge zvisiri izvo kuti vanhu vane FGS vari kuita bonde zvakanyanya kana kuti vane vadikani vakawanda, zvese hazvisi chokwadi. Panogonawo kuita chiseko chine chekuita nekushaya mbereko kana kushaya mbereko mushure mekumbozvara, zvese zvinogona kukonzerwa nekuve neFGS. Kuitwa chiseko kunokwanisa kuita kuti vakadzi nevasikana vave nemafungiro asina kunaka uye manzwiro asina kunaka uye kutya kutaura nezvezviratidzo zvavo kana kubuda pachena. Madzimai nevasikana vanofanira kupihwa rutsigiro rwekugadzirisa manzwiro avo nekuvandudza hutano hwavo hwepfungwa. Pakutanga, kuvapo uye kuteerera kunowanzoita musiyano mukuru. Kuitwa chiseko kunobata vanhu nenzira dzakasiyana uye vanhu vakasiyana vanozotenda mhando dzakasiyana dzerutsigiro. Edza kusaita fungidziro pamusoro pemanzwiro avari kuita. Kana mumwe munhu ari mukutambudzika chaiko, angangoda kuendeswa kune rumwe rubatsiro rwepfungwa.